Kuva Nhengo

About Our Membership

Kuva nhengo kunotambirwa kuvanhu vanenge vari nyanzvi dzevadzidzisi nevatsvagurudzi kana vadzidzi vechokwadi vezvemitauro yemuAfrica nevamwewo vanhu vanotendera muvavariro nezvinangwa zveSangano. Parizvino mari inobhadharwa nenhengo pagore iri paR200.00 kana US$60.00. Nhengo dzabhadhara dzichatumirwa zvinyorwa zvemanhamba maviri eSAJAL egore iroro, pamwe netsambanhau uye nehokero kuMisangano Mikuru neMimidiki.

Kuva nhengo patsva zvekare: Kuva nhengo patsva zvekare kunoitwa pagore poga-poga. Nhengo dzichatumirwa chiziviso chekuva nhengo patsva kubva kuna Sahomwe. Chiziviso ichi chinofanira kudzorerwa kuna Sahomwe (chiine munongedzo kuzita neamwe mashoko ari maererano naSahomwe) pamwe chete necheki, chinyorwa chemari chinotengwa kubhanga kana kuhofisi yematsamba (postal order) kana kapepa kekudhipozita mari seumboo hwekuti nhengo yabhadhara mari yakakodzera. Zvibhadharwa zvose zvichange zvichitwa kuALASA. Sahomwe anofanira zvekare kuziviswa maringe nezvekusandura kero kana amwe mashoko enhengo.

Nzira nekuva nhengo: Vane chido chekuva nhengo vanonyorera kujoina ALASA kuburikidza nekuzadzikisa fomu rakakodzerana navo vobva varitumira kuna Sahomwe pakero inoti: mojapml@unisa.ac.za

Fomu rekuva nhengo

Membership form

ALASA Application 2022

Download our application to join

View