Bumbiro reMutemo

KUVA NHENGO

Kuchange kune mhando dzenhengo dzinotevera:

(1) Nhengo yeRuzhinji inotambira munhu wose ane zvidzidzo zveDhigirii reHonours muMitauro yeAfrica. Asi zvakadaro, kuva nhengo kunokwanisa zvekare kupiwa kumunhu asingakwanisi kuzadzikisa zvidzidzo zvinodiwa kuva nhengo, kuburikidza nemaonero eBhodhi reSangano kana Komiti Inofambisa Mabasa eSangano (Executive Commitee).

(2) Nhengo yeRemekedzo inokwanisa kupiwa neBhodzi kuvanhu vanenge vaita mabasa ane mukurumbira muzvidzidzo netsvangurudzo dzemitauro pamwe nemuSangano.

(3) Nhengo yeVemabhizimisi inotambira vemakambani emabhizimisi vose. Nhengo yemabhizimisi yoga-yoga ine kodzero yekupiwa zvimwe zvinyorwa zvitatu zvezvinyorwa zvose zveALASA kana yakumbira. Vhoti imwe chete ndiyo ichabvumidzwa panhengo yemabhizimisi imwe neimwe.

(4) Nhengo kweUpenyu Hwose ichange iripo kunhengo yeveruzhinji yeALASA ipi zvayo, asi zvichienderana nekuti yabhadhara mari yenhengo yepagore roga-roga yakapetwa kagumi nekatanhatu panguva ipi zvayo yapiwa.

Bhodhi ndiro richatema uwandu hwemari (fizi) inobhadharwa nenhengo. Kubhadharwa kwefizi yenhengo nemwaka kunopa nhengo kodzero yekutumirwa chinyorwa cheJournal, pamwe nekutumirwa zvimwe zvinyorwa zveSangano nemutengo wakaderera pazvinenge zvichikwanisika.

Bhodhi rinokwanisa kumbomisa kuvanhengo kwemunhu nekuda kwezvikonzero zvakakodzera, somuenzaniso, nekuda kwefizi inenge yapfurikidza mazuva ekubhadharwa.

Nhengo yeRuzhinji neyeRemekedzo pamwe neyeveMabhizimisi uye neyeUpenyu Hwose dzikokwanisa kushandisa kodzero dzadzo kuvhota pachiitiko chipi zvacho cheSangano kana dzichinge dziripo sevanhu.

BHODHI

 

(1) Masimba emafambisirwo eSangano achapiwa kuBhodhi iro rinenge rine nhengo dzinoti:

Sachigaro

Dzimwe nhengo sere dzinosarudzwa

Nhengo dzinoiswa nekuda kwemvumo yenhengo dzeBhodhi,

uye dzinenge dzakamirira mapazi ezvidzidzo zvemutauro neuvaranomwe zvemuAfrica uyezve dziri nhengo dzeSangano.

(2) Bhodhi richasarudzwa pamusangano mukuru weSangano, uye nhengo dzasarudzwa dzichagara pazvinzvimbo zvadzasarudzwa kwemakore maviri.

(3) Nhengo dzinenge dzava kusiya basa dzinokwanisa kusarudzwa zvekare, uye uwandu hwenhengo hunosvika chikamu kana kudarika hwevavakusiya basa, hunofanira kusarudzwa zvekare kutiira kuchengetedza tsika dzeSangano kuti dzienderere mberi

(4) Sachigaro anokwanisa kusarudzwa kushanda matemu maviri akatevedzana, asi anokwanisa zvekare kudzoka kuzosarudzwa mamwe matemu maviri apera. 

(5) Uwandu hwenhengo hunokwanisa kuti musangano weBhodhi unge uchitwa nomazvo dzinofanira kusvika chidimbu chepakati (hafu) chenhengo dzose dzeBhodhi.

(6) Bhodhi richave nesimba rekupa basa raro kuKomiti Inofambisa Mabasa eSangano inenge yasarudzwa kubva munhengo dzaro.

(7) Bhodhi richasarudza Mutevedzeri waSachigaro, Munyori, Sahomwe, Mupepeti weKufambisa Mabasa pamwe neMupepeti, Mutevedzeri waSachigaro neMufambisi weMabasa kubva munhengo dzaro uye Munyori, Sahomwe, Mupepeti weKufambisa Mabasa neMupepeti kubva kunhengo dzaro pachezvaro kana kubva kunze kweBhodhi.

(8) Bhodhi richange riine masimba ekusarudza nhengo kuburikidza nemvumo yenhengo dzaro.

(9) Mabasa eBhodhi achange ari:

(a) Kuona kuti vavariro dzeSangano dzazadzikiswa.

(b) Kufambisa mabasa eSangano ezvenyaya dzemari, kusanganisira kuvhura akaundi kuBhanga reRuvako (Building Society) kana Bhanga sekuonekwa kwazvichaitwa kana zvakakodzera, kuchengeta mabhuku chaiwo ezvemafambisirwo emari, kutsanangurwa kwemabhuku emari akaodhitwa, nezvimwewo.

(c) Kutara mafizi anobhadharwa nemhando dzakasiyana-siyana dzenhengo.

(d) Kufambisa mabasa ezvekunyorwa kwezvinyorwa zveSangano, uye nekuda kwebasa iroro, kusarudza Vashandi veKupepetwa kweZvinyorwa.

(e) Kukurudzira kuvambwa kwemapazi eSangano.

(f) Kuronga nekutora mabasa ekuita emisangano pamwe ne/kana magungano emhando dzipi zvadzo eSangano.

(g) Kutaura nekushandapamwe nemamwe mabhodhi ezvedzidzo neunyanzvi ane chido nemutauro.

(h) Kusarudza makomiti epasi api zvawo anokwanisa kunge akakodzera mukufambiswa kwebasa reSangano.

(i) Kutara mitemo ipi zvayo iyo inotanga kushanda chiriporipocho, asi zviri muhwaro hweBumbiro rino. Mitemo yakadai inofanira kuendeswa kumusangano mukuru kana wakakosha weSangano (uyo unenge washevedzererwa nekuda kwechikonzero ichochi) kuti itambirwe zviri pamutemo uye/kana nekunatsurudzwa.

(10) Nyunyuto ipi zvayo inenge yaitwa kunhengo yeBhodhi ichaferefetwa nedzimwe nhengo; kana nekuda kweferefeto iyoyi dzimwe nhengo dzichiona kuti zvakakosha kuti zviitwe saizvozvo, vanokwanisa kuvamba kurudziro yekuti nyaya igozodzeiwa nemusangano mukuru weSangano kana kuronga musangano wakakosha wakanangana nekuisa kurudziro yakadai pamberi pawo, uye wakoshesa kurudziro iyoyo, musangano uchatora chisungo kana zvisungo maringe nenyunyuto semaonero awo kana zvakakodzera.