Zviri maringe

Zviri maringe

Sangano reMitauro muDunhu reKuchamhembe kweAfrica (African Language Association of Southern Africa – ALASA) rakavambwa mugore ra1979 sesangano risina rusaruro uye risingaiti zvemabasa evandudza mari (purofiti) pamusangano wakarongwa neBazi rezveMitauro yemuAfrica paUnivhesiti yeSouth Africa (UNISA).

Sangano reALASA rine vavariro mbiri huru dzinoti:

1. kukurudzira kuwadzana pakati pevatsvagurudzi, vadzidzi nevadzidzisi vemitauro neveuvaranomwe hwemuAfrica, pamwe ne-

2. kubatsira mukukurudzirwa kwetsvagurudzo, budiriro yemutauro uye nekufambiswa kwemashoko kuburikidza nekutaura pamwe nekunyorwa zvine budiriro munyika dzine mitauro yakawanda, somuenzaniso, munyaya dzine chokuita nezveurongwa nematanho ekutora maringe nezvemutauro, matanho ekutora mudzidzo pamwe nemuhurukuro nemamwe masangano ane zvido zvakafanana naizvozvi.

Tsamba yeALASA yeMusi wa29 Chivabvu 2020: Kuendeswa mberi kweMusangano weNguva Pfupi weGore ra2020 weSangano rezveMitauro muDunhu reKuchamhembe kweAfrica uchiiswa mugore ra2021.

Postponement of the 2020 Interim (ALASA) Conference to 2021

View

Follow the link to NISC’s site for the latest edition

view
ALASA

KUKANZURWA KWEMUSANGANO WEALASA WEDUNHU REKUEASTERN CAPE

Nekuda kwekurambidzwa kweungano ine vanhu vanodarika zana, sezvakataurwa neMutungamiri weNyika uye nechinyorwa chakabva kuUnivhesiti chaitsanangura zvakawanda chichiti misangano ikanzurwe kuti igozoitwa munguva iri mberi munivhesiti kana kunze, tine urombo kuti tavakukanzura musangano wedu wedunhu.

Tinoda kukutendai netakura matambudziko muchigadzirira nekutitumira pfupiso dzezvinyorwa zvenyu.

Chinyorwa cheSouth African Journal of African Languages chinoburitswa paine kushandapamwe neALASA.

Tevera munongedzo unokuendesa pachionwa (site) cheNISC padandemutande kuti uwane chinyorwa chazvinozvino